Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Johani 2:1-17

1 Johani 2:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu. Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa. Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 2

1 Johani 2:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirayiro yake. Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari; asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye. Vadikanwi, handikunyorerei murayiro mutsva, asi murayiro wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murayiro wekare ndiro shoko ramakanzwa. Pamwezve ndinokunyorerai murayiro mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera. Uyo, anoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, achiri murima kusvikira zvino. Anoda hama yake, anogara muchiedza, hapana chigumbuso maari. Asi anovenga hama yake, ari murima, anofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makaregererwa zvivi nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba. Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika. Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 2

1 Johani 2:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vanangu ndiri kukunyorerai izvi kuti murege kupara chitadzo. Asi mumwe wenyu akaita chitadzo tino murevereri pana Baba, iye Jesu mururami. Ndiyezve akatiripira zvitadzo zvedu; kwete zvitadzo zvedu zvoga asi nezvitadzowo zvapasi pose. Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake. Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari. Asi anochengeta shoko rake, maari rudo rwaMwari runobva rwanyatsozadzikiswa. Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti takabatana naye. Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo. Vadikanwi, handisi kukunyorerai mutemo mutsva asi mutemo wapasi chigare, wamaingova nawo kubva pakutanga. Mutemo wakare uya ndiwo shoko ramakanzwa. Kunyange zvakadaro zvazvo asi ini ndiri kukunyorerai zvakare mutemo mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uyewo mamuri, nokuti rima riri kupfuura, chiedza chechokwadi chava kutopenya. Munhu anoti ndiri muchiedza asi iye achivenga hama yake, achiri murima. Anoda hama yake ari muchiedza; machiri hamuna chinomugumbura. Asi munhu anovenga hama yake, ari murima uye ari kufamba murima uyewo haasi kuziva kwaari kuenda, nokuti rima rakamupofomadza maziso. Ndiri kukunyorerai vanangu, nokuti zvitadzo zvenyu zvakaregererwa muzita rake. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munomuziva iye akanga aripo kubvira pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechiduku nokuti makakunda muipi. Ndiri kukunyorerai imi vana nokuti munoziva baba. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munoziva iye akanga ari pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechidiki nokuti makasimba uye nokuti izwi raMwari rinogara mamuri uyezve nokuti makakunda muipi. Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika. Nyika iri kupfuura pamwechete nehavi dzayo asi uyo anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 2

1 Johani 2:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋana ʋangu ʋaɗuku, ndinokunyorerai ɀinhu iɀi, kuti, murege kutadza. Kana munhu acitadza, tinoMureʋereri kunaƂaɓa, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi weɀiʋi ɀenyika yose ʋo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake. Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari; asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari; uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye. Ʋaɗikanwa, handikunyoreriyi murairo mutȿa, asi murairo wekare, wamakaŋga munawo kubva pakutaŋga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. Pamŋe ɀe ndinokunyorerai murairo mutȿa, ciri cinhu caɀokwaɗi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuʋura, ciedza caɀokwaɗi cotovenekera. Uyo, unoti, ndiri muciedza, aciʋeŋga hama yake, uciri murima kuȿikira ɀino. Unoɗa hama yake, unogara muciedza, hapanecigumbuso maari. Asi unoʋeŋga hama yake, uri murima, unofamba murima haaziʋi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Ndinokunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti makakaŋganwirwa ɀiʋi nokuɗa kwezita rake. Ndinokunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti munoziʋa Ƃaɓa. Ndakunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMŋari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika. Kana munhu aciɗa nyika, ruɗo rwaƂaɓa haruzi maari. Nokuti ɀose ɀiri munyika, ɀinoti, kuciʋa kwenyama, nokuciʋa kwameso, nokuɀikudza kwoʋupenyu, haɀibvi kunaƂaɓa, asi panyika. Nyika inopfuʋura nokuciʋa kwayo; asi unoita kuɗa kwaMŋari, unogara nokusiŋgaperi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Johani 2

1 Johani 2:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)