Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 1:1-25

1 VaKorinde 1:1-25 SNA2002

Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositene, hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwechete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu; kuti makapfumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose; nokudaro uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri; kuti hamushayiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu; achakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi mhosva pazuva raIshe Jesu Kristu. Mwari ndiye akatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musanganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe. Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navarwi vokwaKirowe, kuti kune gakava pakati penyu. Zvandinoreva ndizvokuti, mumwe nomumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” “Ini waAporo,” “Ini waKefasi,” “Ini waKristu.” Ko Kristu akaparadzaniswa here? Ko Pauro akaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here? Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Kirisipo naGayo; kuti kurege kuva nomunhu angati, makabhabhatidzwa muzita rangu. Ndakabhabhatidzawo veimba yaSitefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe. Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Vhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKristu urege kukoneswa. Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” Akachenjera aripiko? Munyori aripiko? Muiti wenharo wenyika ino aripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here? Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza. Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, noupenzi kuvahedheni; asi kuna vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu nesimba.