Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 1:1-25

1 VaKorinde 1:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositeni hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vari kwose kwose vanodana kuzita raIshe wedu Jesu Kristu, Ishe wavo nowedu: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu. Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu. Nokuti maari makapfumiswa pazvinhu zvose, mukutaura kwenyu kwose uye nomuruzivo rwenyu rwose, nokuti uchapupu hwedu pamusoro paKristu hwakasimbiswa mamuri. Naizvozvo hapana kana chipo chomweya chamunoshayiwa pamunomirira nomwoyo wose kuratidzwa kwaIshe wedu Jesu Kristu. Achakusimbisai kusvikira kumagumo, kuti murege kuva nechamungapomerwa pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. Mwari, iye akakudanai kuti muwadzane noMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu, akatendeka. Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga. Hama dzangu, vamwe venyu vokwaKirowe vakandiudza kuti pane gakava pakati penyu. Zvandinoreva ndezvokuti: Mumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe oti, “Ini ndiri waAporosi,” mumwewo oti, “Ini ndiri waKefasi,” mumwe zvakare oti, “Ini ndiri waKristu.” Kristu akaparadzaniswa here? Pauro akarovererwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Makabhabhatidzwa muzita raPauro here? Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza kana mumwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo, kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoti akabhabhatidzwa muzita rangu. Hongu, ndakabhabhatidzawo veimba yaStefanasi; kunze kwaivavo, handirangariri kana ndakabhabhatidzazve mumwe munhu. Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo. Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera; ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.

1 VaKorinde 1:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Pauro, akadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave mupostori waKristu Jesu, naSositene, hama yedu, kukereke yaMwari iri muKorinde, kuna vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwechete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa muna Kristu Jesu; kuti makapfumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose; nokudaro uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri; kuti hamushayiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu; achakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi mhosva pazuva raIshe Jesu Kristu. Mwari ndiye akatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu. Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musanganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe. Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navarwi vokwaKirowe, kuti kune gakava pakati penyu. Zvandinoreva ndizvokuti, mumwe nomumwe wenyu anoti, “Ini ndiri waPauro,” “Ini waAporo,” “Ini waKefasi,” “Ini waKristu.” Ko Kristu akaparadzaniswa here? Ko Pauro akaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here? Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Kirisipo naGayo; kuti kurege kuva nomunhu angati, makabhabhatidzwa muzita rangu. Ndakabhabhatidzawo veimba yaSitefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe. Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Vhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKristu urege kukoneswa. Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” Akachenjera aripiko? Munyori aripiko? Muiti wenharo wenyika ino aripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here? Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza. Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, akaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, noupenzi kuvahedheni; asi kuna vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu nesimba.

1 VaKorinde 1:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ini Pauro ndakadaidzwa kuti ndive mupositori waKristu Jesu, chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai ini pamwechete nehama Sositenesi, imi vesangano raMwari riri kuKorinde, rinemi vanhu vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, imi makadaidzwa kuva varurami pamwechete navose vanodaidzira kose kose muzita raTenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wavo neweduwo. Chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare dai changova nemi chichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu. Ndinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu nokuda kwenyasha dzaMwari dzamakapihwa muna Kristu Jesu, kuti muna zvose makapfumiswa maari zvokuti munogona kutaura uye munoziva zvose. Uchapupu hwaKristu hwakasimbisiswa mamuri, zvokuti hapana chipo chezvomweya chamusina pamunenge makamirira kuratidzwa pachena kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Ndiye achakusimbaradzai kusvikira kumagumo kuti munge musina mhosva pazuva raTenzi wedu Jesu Kristu. Mwari akatendeka. Ndiye akakukokai kuti muve noruwadzano naMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu. Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete. Ndinodaro nokuti ndakataurirwa nevemhuri yokwaKurowe kuti pane kupopotedzana pakati penyu, hama dzangu. Zvandinoreva ndezvizvi zvokuti, mose mavakuti ini ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi mumwewo achiti ndiri waKefasi mumwewo achiti ndiri waKristu. Ko iye Kristu akadanzuranwa here? Ko Pauro akakurovererwai pamuchinjikwa here? Kana kuti zvimwe makaombekwa muzita raPauro here? Ndinotenda Mwari kuti handina mumwe wenyu wandakaombeka kusiya Krisiposi naGayosi kuti pashaye anoti makaombekwa muzita rangu. Ehe, ndakaombekawo vemhuri yaStefanosi. Kunze kwaivava, hameno kana pano mumwezve wandakaombeka. Chikonzero chacho ndechokuti Kristu haana kundituma kuzoombeka asi kuzoparidza Shoko Rakanaka uye kwete namazwi oungwaru kuti muchinjikwa waKristu urege kutorerwa simba rawo. Zvinoreva muchinjikwa, ndezvoupenzi kuna vakananga kundoparadzwa asi kunesu vari kundoponeswa, isimba raMwari nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Ndichaparadza ungwaru hwavakachenjera uye ndichashaisa maturo ruzivo rwavazivi.” Mungwaru achazova papi ipapa? Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi? Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo? Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano, huve upenzi here? Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza. VaJudha vanoda zvishamiso vaGiriki vanotsvaga ungwaru. Asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa. Izvi chigumburo kunavaJudha uye upenzi zvahwo kune vechirudzi. Kuna vakadaidzwa zvavo, vangave vaJudha kana vaGiriki, tinoparidza Kristu, iye simba raMwari noungwaru hwaMwari. Upenzi hwaMwari ungwaru kupinda ungwaru hwavanhu uye utera hwaMwari hune simba kupinda ravanhu.

1 VaKorinde 1:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pauro, wakaɗanwa nokuɗa kwaMŋari, kuti aʋe muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yeɗu, kukereke yaMŋari iri paKorinte, kunaʋakaitwa ʋatȿene munaKristu Jesu, ʋakaɗanwa kuti ʋaʋe ʋatȿene pamŋe cete naʋose ʋanoɗana pose‐pose zita raJesu Kristu, Ishe weɗu, waʋo noweɗu: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu. Ndinogara ndiciʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu, pamsoro penyasha dzaMŋari dzamakapiwa munaKristu Jesu; kuti makafumiswa paɀose maari, pakutaura kwose, napakuziʋa kwose; nokuɗaro ʋucapupu bgaKristu bgakasimbiswa mamuri; kuti hamushaiwi cipo cimŋe; mucimirira kuratidzwa kwaShe weɗu, Jesu Kristu; ucakusimbisai kuȿikira pakuguma, muʋe ʋasiŋgapomerwi pazuʋa raShe Jesu Kristu. Mŋari ndiye wakatendeka, wamakaɗanwa naye kuyanana noMŋanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe weɗu. Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe. Nokuti ndakaʋudzwa pamsoro penyu, hama dzaŋgu, naʋari ʋokwaKroe, kuti kunegakaʋa pakati penyu. Ɀandinoreʋa ndiɀo, kuti mumŋe nomumŋe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu. Ko Kristu wakaparadzaniswa here? Ko Pauro wakaroʋerwa pamucinjikwa nokuɗa kwenyu here? Ko makabapatidzwa muzita raPauro here? Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti handina‐kubapatidza mumŋe wenyu, asi Krispo naGayo; kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgati, makabapatidzwa muzita raŋgu. Ndakabapatidza ʋo ʋeimba yaStefana; asi ʋamŋe, handiziʋi kana ndakabapatidza mumŋe. Nokuti Kristu haana‐kundituma kubapatidza, asi kuti ndiparidze Evaŋgeri; ndisiŋgaiti nenjere dzamashoko, kuti mucinjikwa waKristu urege kukoneswa. Nokuti shoko romucinjikwa ʋupenzi kunaʋanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMŋari. Nokuti kwakanyorwa kucinzi: Ndicaparadza ʋucenjeri bgaʋakacenjera, Ndicakonesa kuziʋa kwaʋanoziʋa. Wakacenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mŋari haana‐kuita ʋucenjeri bgenyika bguʋe ʋupenzi here? Nokuti noʋucenjeri bgaMŋari, nyika noʋucenjeri bgayo, ɀaisina‐kuziʋa Mŋari, Mŋari wakafadzwa naɀo kuti ʋanotenda aʋaponese noʋupenzi bgokuparidza. Nokuti ʋaJuda ʋanokumbira ɀiratidzo, naʋaGiriki ʋanotȿaka ʋucenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, wakaroʋerwa pamucinjikwa, cigumbuso kuʋaJuda, noʋupenzi kuʋahedeni; asi kunaʋakaɗanwa, ʋaJuda naʋaGiriki, Kristu isimba raMŋari, noʋucenjeri bgaMŋari. Nokuti ʋupenzi bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu noʋucenjeri; noʋutera bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu nesimba.

1 VaKorinde 1:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)