Mapisarema 63:1-3
Mapisarema 63:1-3 SUB1949
Mŋari, imi muri Mŋari waŋgu; ndicakutȿakai maŋgwanani; Mŋeya waŋgu unenyota kwamuri, nyama yaŋgu inokushuʋai, Panyika yakawoma, inonzwisa nyota, isinemvura. Naiɀoɀo ndakatarira kwamuri panɀimbo tȿene, Kuti ndiʋone simba renyu nokubginya kwenyu. Nokuti ʋunyoro bgenyu ʋunokunda ʋupenyu; Miromo yaŋgu icakurumbidzai.

