Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 57:1-11

Mapisarema 57:1-11 SUB1949

Ndinzwirei tsitsi, Mŋari, ndinzwirei tsitsi; Nokuti mŋeya waŋgu unotizira kwamuri; Ɀirokwaɀo, ndicatizira kumumvuri wamapapiro enyu, Kuȿikira njodzi dzapfuʋura. Ndicaɗanidzira kunaMŋari Wokumsoro‐soro; KunaMŋari unondiitira ɀose. Ucatuma muɓatsiri ari kuɗeŋga, andiponese, Kana iye, unoʋaʋarira kundimedza, acindishoʋora; Mŋari ucatuma tsitsi dzake neɀokwaɗi yake. Mŋeya waŋgu uri pakati peshumba; Ndinoʋata pasi pakati paʋanopfuta somŋoto, Iʋo ʋanakomana ʋaʋanhu, ʋanameno aneŋge mapfumo nemiseʋe, Ʋuye rurimi rwaʋo munondo unopinza. Imi mukudzwe Mŋari, pamsoro pokuɗeŋga‐ɗeŋga; Kurumbidzwa kwenyu ŋgakuʋe kumsoro kwapasi pose. Ʋakateyira tsoka dzaŋgu mumbure; Mŋeya waŋgu wakakotamiswa; Ʋakacera hunza pamberi paŋgu; Ʋawira mukati mayo ʋamene. Mŋoyo waŋgu wakasimba, Mŋari, mŋoyo waŋgu wakasimba; Ndicaimba, ɀirokwaɀo, ndicaimba nziyo dzokurumbidza. Muka iwe mŋoyo waŋgu, muka iwe muteŋgeranwa nembira; Ini ndimene ndicamuka maŋgwanani. Ndicakuʋoŋgai, Ishe, pakati pendudzi dzaʋanhu; Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati paʋahedeni. Nokuti ŋgoni dzenyu ihuru kuȿikira kuɗeŋga‐ɗeŋga, Ɀokwaɗi yenyu inoȿikira kuɗeŋga rose. Imi mukudzwe Mŋari, kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga; Kurumbidzwa kwenyu ŋgakuʋe kumsoro kwapasi pose.