Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 5:37-42

Marko 5:37-42 SUB1949

Akasatendera munhu kumuteʋera, asi Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna waJakobo. Ʋakaȿika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere‐mhere, naʋanocema ɀikuru, naʋanorira. Akapinda, akati kwaʋari: Munoitireiko mhere‐mhere, mucicema? Mŋana haana‐kufa, asi uʋete. Ʋakamuseka. Akaʋaɓuɗisa ʋose, akatora ɓaɓa ʋomŋana namai, naʋaakaŋga anaʋo, akapinda kwakaŋga kunomŋana. Akaɓata ruʋoko rwomŋana, akati kwaari: Tarita kumi! ndokuti, kana ɀicishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri: Muka! Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiʋa namakore anegumi namaʋiri; ʋakashamiswa nokushama kukuru.

Verenga chikamu Marko 5