Ruka 1:15-20
Ruka 1:15-20 SUB1949
Nokuti iye ucaʋa mukuru pamberi paShe; haaŋgatoŋgonwi waini neɀinoɓata; ucazadzwa noMŋeya Mutȿene kubva paɗumbu ramai ʋake. Ucadzorera ʋazhinji ʋaʋana ʋaIsraeri kunaShe, Mŋari waʋo. Ucafamba pamberi pake noMŋeya nesimba raEria, kuti adzorere mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, naʋasiŋgatereri kuʋucenjeri bgaʋakarurama, agadzirire Ishe ʋanhu ʋakamugadzirirwa kwaɀo. Zakaria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ndicaɀiziʋa seiko? Nokuti ini ndaʋa mutana, nomukadzi waŋgu wacembera. Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMŋari; ndatumŋa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. Tarira, ucanyarara, usiŋgagoni kutaura, kuȿikira zuʋa rinoitwa ɀinhu iɀi, nokuti hauna‐kutenda mashoko aŋgu, acaitika neŋguʋa yawo.

