Jobo 3:1-26
Jobo 3:1-26 SUB1949
Shure kwaiɀoɀo Jobo wakashamisa muromo wake, akatuka zuʋa rake. Jobo akapindura akati: Zuʋa randakaɓerekwa naro ŋgariroʋe, Noʋusiku ubgo bgaʋakati: Mŋana womukomana wagamucirwa. Zuʋa iro ŋgariʋe rima; Mŋari ŋgaarege kuriraŋgarira ari kumsoro, Neciedza ŋgacirege kurivenekera. Rima nomumvuri worufu ŋgaɀiritore riʋe raɀo; Gore ŋgarigare pamsoro paro; Ɀose ɀinoȿiɓisa zuʋa ŋgaɀirivunduse. Kana ʋuri ʋusiku ubgo, ŋgaʋuɓatwe nerima guru; Ŋgaʋurege kufara pakati pamazuʋa egore; Ŋgaʋurege kurabga pakati pemŋedzi. Ʋusiku ubgo ŋgaʋurege kuɓereka; Inzwi romufaro ŋgarirege kupinda maʋuri. Ʋanotuka zuʋa iro ŋgaʋaʋutuke ʋo, Iʋo ʋanogona kumutsa shato huru. Nyeredzi dzamambakwedza abgo ŋgadziȿiɓe; Ŋgaʋumirire ciedza, asi ʋucishaiwe; Ŋgaʋurege kuʋona fuŋgiro dzameso amaŋgwanani; Ɀaʋusina‐kupfiga mikoʋa yemimba yamai ʋaŋgu, Kana kuʋanza kutambudzika pameso aŋgu. Ndakaregereiko kufa ndiciri mumimba? Ndakaregerei kuparara ndiciɓuɗa muɗumbu, Mabvi akandigamucirireiko? Kana mazamu, kuti ndimŋe? Nokuti ndiŋgaɗai ɀino ndakatandaʋara, ndinyerere; Ndiŋgaɗai ndiʋete: ipapo ndiŋgaɗai ndazorora; Pamŋe cete namadzimambo namakurukota enyika Ʋakaɀiʋakira matoŋgo; Kana namacinda, aiʋa nendarama, Akazadza dzimba dzawo nesirveri; Kana ndiŋgaɗai ndisina‐kuʋa’po somŋana wakaponiwa ŋguʋa isina‐kuȿika; Saʋacece ʋasina‐kutoŋgoʋona ciedza. Ʋakaipa ʋanorega kutambudza kwaʋo ipapo; Ʋakaneta ʋanozorora ipapo. Ʋasuŋgwa ʋanorugare pamŋe cete ipapo; Haʋanzwi inzwi romutariri. Ʋaɗuku naʋakuru ʋari’po; Ʋuye muranda wakasunuŋguka panatenzi wake. Munhu uri panjodzi unopiyirweiko ciedza, Noʋupenyu kunouneshuŋgu pamŋoyo; Aʋo ʋanoshuʋa rufu, asi haruʋuyi; Ʋanorucera kupfuʋura fuma yakaʋanzwa pasi; Ʋanopembera kwaɀo, Nokufara, kana ʋaciwana bgiro? Munhu, wakadzimira nzira yake, unopiyirweiko ʋupenyu, Iye wakadziʋirirwa norumhanda naMŋari? Nokuti ndinogomera ndisati ndadya, Kuʋuʋura kwaŋgu kunoɗururwa semvura. Nokuti cinhu candaitya candiwira, Necandinozeza candiʋiŋga. Handinamufaro, kana kunyarara, kana kuzorora; Asi njodzi inoŋgosiʋuya.

