Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 1:4-13

Johane 1:4-13 SUB1949

Ʋupenyu bgaiʋa maari; ʋupenyu bgaiʋa ciedza caʋanhu. Ciedza cinovenekera murima; asi rima harina‐kucikunda. Kwakaŋga kunomunhu wakatumŋa naMŋari, zita rake rainzi Johane. Iye wakaʋuya kuzopupura, kuti apupurire ciedza, kuti ʋose ʋatende naye. Uyo wakaŋga asati ari ico ciedza, asi wakatumŋa kuti apupurire ciedza. Ici caiʋa ciedza caɀokwaɗi, cinovenekera munhu mumŋe nomumŋe, pakuȿika kwaco panyika. Wakaŋga ari panyika, asi nyika haina‐kumuziʋa. Wakaʋuya kuneɀake, asi ʋanhu ʋake haʋana‐kumugamucira. Asi ʋose ʋakamugamucira, wakaʋapa simba kuti ʋaʋe ʋana ʋaMŋari, iʋaʋo ʋanotenda kuzita rake; aʋo ʋasina‐kuɓerekwa neropa, kana nokuɗa kwenyama, kana nokuɗa kwomurume, asi naMŋari.

Verenga chikamu Johane 1