Kana ndicirapa Israeri, kuipa kwaEfraimi kwoʋonekwa neɀakashata ɀeSamaria; nokuti ʋanonyeŋgera, mbava inopinda mukati, ʋuye ɓoka ramakororo rinoparadza kunze. Asi haʋafuŋgi mumŋoyo yaʋo kuti ndinoraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo ɀose; ɀino ɀaʋakaita ɀinoʋakomberedza, ɀiri pamberi paŋgu. Ʋanofadza mambo neɀakashata ɀaʋo, namacinda nenhema dzaʋo. Ʋose imhombge; ʋakafanana necoto cakaʋeserwa nomuɓiki weciŋgwa; unorega kukucidzira mŋoto, kana akanya ɓundu reciŋgwa, kuȿikira raʋira. Nezuʋa ramambo weɗu macinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye wakatambanudza ruʋoko rwake pamŋe cete naʋaseki. Nokuti ʋakagadzira mŋoyo yaʋo secoto, ʋaciʋandira; muɓiki waʋo weciŋgwa unoʋata ʋusiku bgose, maŋgwanani cinopfuta somuraɀo womŋoto. Ʋanopisa ʋose secoto, ʋanoparadza ʋatoŋgi ʋaʋo; madzimambo aʋo ose akawira pasi, hakuna‐nomumŋe pakati paʋo unoɗana kwandiri. Efraimi ndiye unoɀiveŋganisa namamŋe marudzi; Efraimi ciŋgwa cisino‐kushandurwa. Ʋatorwa ʋakapedza simba rake, asi iye haaɀiziʋi; ɀirokwaɀo vudzi rake rocena pose‐pose, asi iye haaɀiziʋi. Kuɀikudza kwaIsraeri kunopupura pamberi pake, asi haʋana‐kudzokera kunaJehova Mŋari waʋo, kana kumutȿaka, kunyaŋge iɀi ɀose ɀakaɗaro. Efraimi wakaita senjiʋa isinamano, isinenjere; ʋanoɗana Egipita, ʋanoenda Asiria. Kana ʋacienda, ndicakandira mumbure waŋgu pamsoro paʋo, ndicaʋakweʋera pasi seshiri dzokuɗeŋga; ndicaʋaraŋga seɀaʋakaʋudzwa paʋuŋgano yaʋo. Ʋanenhamo iʋo, nokuti ʋakatsauka kwandiri; ŋgaʋaparadzwe, nokuti ʋakandiɗarikira; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɗa kuʋadzikinura, ʋakandireʋera nhema. Haʋana‐kuɗana kwandiri nemŋoyo yaʋo, asi ʋanowuŋgudza panhoʋo dzaʋo; ʋanoʋuŋganira ɀiyo newaini itȿa, ʋanondimukira. Kunyaŋge ndakaʋadzidzisa nokusimbisa maʋoko aʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa. Ʋanodzoka, asi haʋadzokeri kunaiye uri kumsoro; ʋakafanana noʋuta ʋunonyeŋgera; macinda aʋo acaparadzwa nomunondo nokuɗa kwehasha dzamarimi aʋo; ndiko kucaʋa kusekwa kwaʋo panyika yeEgipita.