Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 46:1-4

Genesi 46:1-4 SUB1949

Ɀino Israeri wakabva neɀose ɀaakaŋga anaɀo, akaȿika Beeri‐sheba, akaɓayira Mŋari waɓaɓa ʋake Isaka ɀiɓayiro. Mŋari akataura naIsraeri neɀiratidzo ʋusiku, akati: Jakobo! Jakobo! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ndini Mŋari, iye Mŋari waɓaɓa ʋako; usatya hako kuɓurukira Egipita; nokuti ndicakuita rudzi rukuru ikoko; ndicaɓurukira Egipita newe, ndigokudzosa ɀe ɀirokwaɀo; Josefa ndiye ucatsika meso ako.

Verenga chikamu Genesi 46