Eksodo 16:1-35
Eksodo 16:1-35 SUB1949
Ɀino ʋakabva Erimi parwe ndo rwaʋo, ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ikaȿika parenje reSini, riri pakati peErimi neSinai, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecipiri pakubva kwaʋo panyika yeEgipita. Ɀino ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete. Ɀino nomusi wetanhatu kana ʋogadziraiɀo ɀaʋaʋuya naɀo, ɀicaita ɀiyero ɀiʋiri kana ʋacienzanisa neciyero caʋanosiʋuŋganidza zuʋa rimŋe nerimŋe. Ɀino Mosesi naAroni ʋakati kuʋana ʋaIsraeri ʋose: Maɗekwana mucaziʋa kuti Jehova ndiye wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita. Fume maŋgwana mucaʋona kubginya kwaJehova, nokuti iye wakanzwa kupopota kwamakapopotera Jehova nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Mosesi akati: Mucaʋona iɀoɀo kana Jehova acikupai nyama maɗekwana, mukaidya, namaŋgwana kana acikupai ɀiŋgwa, mukaguta; nokuti Jehova wakanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu ʋananiko, ɀamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehova. Mosesi akati kunaAroni: Ʋudza ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti: Sweɗerai pamberi paJehova, nokuti wakanzwa kupopota kwenyu. Ɀino Aroni wakati acataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakatarira kurutiʋi rwokurenje, ʋakaʋona kubginya kwaJehova kuciratidzwa mugore. Jehova akataura naMosesi, akati: Ndanzwa kupopota kwaʋana ʋaIsraeri; taura naʋo, uti: Maɗekwana mucadya nyama, fume maŋgwana mucaguta ɀiŋgwa; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, Mŋari wenyu. Ɀino maɗekwana ɀihuta ɀikakwira, ɀikafukidza misasa; fume maŋgwana ɗoʋa rakaŋga rakapoteredza misasa Ɀino ɗoʋa rakaŋga riri pasi rakati radzimuka, ʋakaʋona ɀinhu ɀiɗuku ɀakaʋuruŋgana ɀakaŋga ɀiri pasi murenje, ɀiɗuku secando pavu. Ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakabvunzana, ʋaciti: Cinyiko? Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiziʋi. Mosesi akati kwaʋari: Ndico ciŋgwa camapiwa naJehova kuti mudye. Ɀino heri shoko rakarairwa naJehova: Muɀiʋuŋganidzire cinhu ico, mumŋe nomumŋe seɀaanosidya; munhu mumŋe nomumŋe omeri imŋe, muciʋereŋga ʋanhu ʋenyu, mumŋe nomumŋe atorere ʋari mutente rake. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo, ʋamŋe ʋakaʋuŋganidza ɀizhinji, ʋamŋe ɀishoma. Ɀino ʋakati ʋoɀiidza neomeri, uyo wakaŋga aʋuŋganidza ɀizhinji haana‐kusarirwa necinhu, naiye wakaŋga aʋuŋganidza ɀishoma haana‐kushaiwa; mumŋe nomumŋe wakaŋga aʋuŋganidza seɀaaisidya. Mosesi akati kwaʋari: Kurege kuʋa nomunhu unosiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana. Asi haʋana‐kuterera Mosesi, asi ʋamŋe ʋakasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ɀikazara nehonye, ɀikanhuwa; Mosesi akaʋatsamŋira. Ʋakaɀiʋuŋganidza maŋgwanani ose, mumŋe nomumŋe seɀaaidya; kana zuʋa ropisa ɀakanyakatika. Nezuʋa retanhatu ʋaiʋuŋganidza ciŋgwa ʋaciita ɀiyero ɀiʋiri, mumŋe nomumŋe omeri mbiri; ɀino ʋakuru ʋose ʋeʋuŋgano ʋakaʋuya kuzoʋudza Mosesi. Mosesi akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakataurwa naJehova: Maŋgwana izuʋa rezororo, isaɓata rakatsaurirwa Jehova; gocai ɀamunoɗa kugoca, ɓikai ɀamunoɗa kuɓika; ɀose ɀasara muɀiʋige, muɀiceŋgetere maŋgwana. Ʋakaɀiʋiga kuȿikira maŋgwana, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi; ɀino iɀo haɀina‐kunhuwa, nehonye hadzina‐kuzoʋa’mo. Mosesi akati: Cidyai henyu iɀoɀo nhasi, nokuti nhasi isaɓata raJehova. Nhasi hamuŋgaɀiwani kusaŋgo. Munofanira kuɀiʋuŋganidza mazuʋa matanhatu; asi zuʋa recinomŋe isaɓata; nezuʋa iro hakuŋgaʋi necinhu. Ɀino nezuʋa recinomŋe ʋamŋe ʋakaɓuɗa kundoɀiʋuŋganidza, asi haʋana‐kuwana cinhu. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Munoramba kuceŋgeta mirairo yaŋgu nemirau yaŋgu kuȿikira riniko? Tarirai, Jehova ɀaakakupai saɓata, naiɀoɀo unokupai ɀokudya ɀamazuʋa maʋiri nezuʋa retanhatu; mumŋe nomumŋe wenyu ngaagare kwaagere, kurege kuʋa’po nomunhu unoɓuɗa kwaagere nezuʋa recinomŋe. Ʋanhu ʋakazorora nezuʋa recinomŋe Ɀino ʋeimba yaIsraeri ʋakatumidza iɀoɀo zita rinonzi Mana; cakaŋga ciri cicena setsaŋga yekorianderi; kunaka kwaɀo kwakaŋga kwakafanana neɀiŋgwa ɀakaɓikwa noʋuci. Ɀino Mosesi akati: Ndiro shoko rakarairwa naJehova: Omeri izere ŋgaiceŋgeterwe marudzi enyu, ʋaʋone ciŋgwa candakakugutsai naco murenje, ŋguʋa yandakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. Ɀino Mosesi akati kunaAroni: Tora hari uise’mo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehova, kuti iceŋgeterwe marudzi enyu. Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, saiɀoɀo Aroni wakaɀigadzika pamberi peCipupuriro, kuti ɀiceŋgetwe’po. Ʋana ʋaIsraeri ʋakadya mana makore makumi manna, kudzimana ʋaciȿika panyika yakagarwa naʋanhu; ʋakadya mana kudzimana ʋaciȿika pamiganhu yenyika yeKanani.

