Deuteronomio 32:9-12
Deuteronomio 32:9-12 SUB1949
Nokuti mugoʋe waJehova ndiʋo ʋanhu ʋake; Jakobo ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesaŋgo, Murenje risinecinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuceŋgeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa ʋana ʋaro, Ricieŋgerera pamsoro paʋana ʋaro, Ricitambanudza mapapiro aro, riciʋagamucira, Riciʋaɓereka pamapapiro aro; Saiɀoɀo Jehova, iye oga, wakamutuŋgamirira, Kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe kwaari.

