1
Mateo 5:15-16
KoreKore Bible Translation
KBT
Vanhu havabatidze mwenje vachiuisa pasi potsvanda, asi pachigadziko chomwenje kuti uvhenekere vese vari mumba. Chiedza chenyu mbachivhenekere vanhu kuti vaone buya renyu, vakudze Baba venyu vari kudenga.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 5:14
Muri chiedza chonyika. Guta riri pagomo rinosvisvikaba.
3
Mateo 5:8
Vadokomborehwa vadochena pamwoyo, ndava vachaona Mwari.
4
Mateo 5:6
Vadokomborehwa vanonzara nonyota yokururama, ndava vachagutsiwa.
5
Mateo 5:44
Asi ndinokunyepai kuti, idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai
6
Mateo 5:3
“Vadokomborehwa varombo pamweya, ndava umambo hwokudenga ngwavo.
7
Mateo 5:9
Vadokomborehwa vanoyananisa, ndava vachanzi vana vaMwari.
8
Mateo 5:4
Vadokomborehwa vanorira, ndava vachanyaradziwa!
9
Mateo 5:10
“Vadokomborehwa vanotambudzihwa kururama, ndava umambo hwokudenga ngwavo.
10
Mateo 5:7
Vadokomborehwa vano tsitsi, ndava vachaitihwa tsitsi.
11
Mateo 5:11-12
Mudokomborehwa vakaremi kana vanhu vachikutukanai vachikutambudzai vachinyaira zvidoipa zvese zvomabwodo pamusoro penyu nondava yangu. Farai nokuita mufaro udonyanya, ndava mubairo wenyu udokuritsa kudenga. Matambudziro yavanoita vanhu vakareva ndomwenze yavadoita kuvaporofiti vadokuthangirai.”
12
Mateo 5:5
Vadokomborehwa vadopfava, ndava vachagara nhaka yonyika.
13
Mateo 5:13
“Imipa muri mwinyu wonyika, asi kana mwinyu wataya kuvava kwawene kungadzotsehwe tini? Hauchinai kabonyo, saka unotayiwa wotsikiwa novanhu.
14
Mateo 5:48
Saka munofanira kuva vadokwana, saBaba venyu vokudenga vadokwana.”
15
Mateo 5:37
Kunyaira kwenyu mbakundova, ‘Inde’ kana ‘Neye’ chese chinopindiridza ipopa chinobva kuno adoipa.”
16
Mateo 5:38-39
“Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Ziso rinotsiviwa noziso, zino nozino.’ Asi ndinoti kwamuri, ‘Rekai kurambidza adoipa. Asi kana umwe akakurova padama rokuruji, muperekere rimwe racho.
17
Mateo 5:29-30
Kana ziso rako roruji richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye! Hasa kutaikihwa nochidzu chibodzi panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena. Kana ruoko rako roruji richikukonzera kutadza, rigwate uritaye. Hasa kusaya chimwe chidzu panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo