1
Mateo 3:8
KoreKore Bible Translation
KBT
Itai ndipo zvibereko zvinoenderana nokupinduka kwacho.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 3:17
Zvino izvi ridobva kudenga richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, futi ndinofadziwa maninge naye.”
3
Mateo 3:16
Zvino Jesu paadoombekewa, adobirika mumvura kabodzi nokabodzi. Pakarepo matenga yadozururiwa futi adoona Mweya waMwari achiburuka adoita kunge njiva ndokuvhoda paari.
4
Mateo 3:11
“Inipano ndinokuombekai nomvura nokuti mapinduka. Asi ari kuuya mumasure mangu, mukuru kwandiri, inini ndinokodzeraba kutakura shangu dzache, iyeyo ndiye achakuombekai noMweya Mutsvene nomoto.
5
Mateo 3:10
Kudaiku, sanho ratogwama mudzi womuti. Muti wese usingabereke muchero udonaka unogwatiwa uchikhandiwa mumoto.”
6
Mateo 3:3
Nokuti wakareyu ndiye adorehwa nomuporofiti Isaya paadoti, “Izvi roanokuwa musango, ‘nhadzirai mugwagwa waIshe, yororai nzira dzache!’”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo