1
Mako 5:34
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mako 5:25-26
Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
3
Mako 5:29
Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
4
Mako 5:41
Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)
5
Mako 5:35-36
Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?” Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”
6
Mako 5:8-9
Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!” Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”