1
Mavambo 37:5
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Rimwe zuva Josefi akarota hope dzake. Paakadziudza vakoma vake, vakabva vatonyanya kumuvenga.
Porównaj
Przeglądaj Mavambo 37:5
2
Mavambo 37:3
Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu.
Przeglądaj Mavambo 37:3
3
Mavambo 37:4
Vakoma vake vakazviona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vose, vakamuvenga vakatadzawo kunyatsotauriranawo naye zvakanaka.
Przeglądaj Mavambo 37:4
4
Mavambo 37:9
Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.”
Przeglądaj Mavambo 37:9
5
Mavambo 37:11
Vakoma vake ndokubva vava kumuitira shanje, asi baba vake vakazvipfundira mumwoyo mavo.
Przeglądaj Mavambo 37:11
6
Mavambo 37:6-7
Akati, “Donzwai hope dzangu dzandarota. Tanga tichisunga zvisote zvekoroni mumunda, wanei chisote changu chakanyatsoti twi-i kumira. Zvisote zvenyu zvakomberedza changu zvikabva zvazochikotamira.”
Przeglądaj Mavambo 37:6-7
7
Mavambo 37:20
Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.”
Przeglądaj Mavambo 37:20
8
Mavambo 37:28
Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti.
Przeglądaj Mavambo 37:28
9
Mavambo 37:19
Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya.
Przeglądaj Mavambo 37:19
10
Mavambo 37:18
Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye.
Przeglądaj Mavambo 37:18
11
Mavambo 37:22
Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake.
Przeglądaj Mavambo 37:22