1
Varoma 3:23-24
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
nokuti munhu wose akatadza akakundika kusvika panodiwa naMwari kuti aponeswe. Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.
Confronta
Esplora Varoma 3:23-24
2
Varoma 3:22
Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro
Esplora Varoma 3:22
3
Varoma 3:25-26
Mwari akaronga kuti neropa rake ave ndiye wokuripira naye zvitadzo zvichiitika pamusana pechitendero. Izvi zvakaitirwa kuti kururama kwaMwari kuratidzwe pachena nokuti pamusana pemwoyo murefu wake zvitadzo zvakare akazviti zvingopfuura zvazvo kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
Esplora Varoma 3:25-26
4
Varoma 3:20
nokuti hapana munhu anoruramiswa pamberi pake nezvisungo zvomutemo pamusana pokuti mutemo, chawo kuzivisa vanhu zvechitadzo.
Esplora Varoma 3:20
5
Varoma 3:10-12
Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hakuna akarurama kana mumwechete zvake. Hakuna anonzwisisa hakuna anotsvaka Mwari. Vose vakatsauka, vose zvavo pamwechete vakashata. Hapana anoita zvakanaka kana nomumwechete zvake.
Esplora Varoma 3:10-12
6
Varoma 3:28
Chikonzero chacho ndechokuti tinoti munhu anoruramiswa nechitendero zvisinei nezvisungo zvinobva mumutemo.
Esplora Varoma 3:28
7
Varoma 3:4
Kwete, hazvidaro, Mwari anofanira kuva pachokwadi kunyange vanhu vose vakave venhema, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kana motaura, zvinobuda pachena kuti ndicho chokwadi kana mukapinzwa dare munobuda musina mhosva.”
Esplora Varoma 3:4