1
Johani 6:35
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Jesu akati kwavari, “Ini ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri haaiti nzara uye anotenda mandiri haambofa akanzwa nyota.
Confronta
Esplora Johani 6:35
2
Johani 6:63
“Mweya ndiwo anopa upenyu; nyama haina maturo. Mazwi andataura kwamuri, mweya noupenyu.
Esplora Johani 6:63
3
Johani 6:27
Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.”
Esplora Johani 6:27
4
Johani 6:40
Uku ndiko kuda kwababa vangu kokuti wose anoona mwanakomana achitenda maari awane upenyu husingaperi uye ndichamumutsa nezuva remhedziso.”
Esplora Johani 6:40
5
Johani 6:29
Jesu akavapindura achiti, “Basa raMwari nderiri rokuti: Imi munofanira kutenda muna iye waakatuma.”
Esplora Johani 6:29
6
Johani 6:37
Chose chandinopiwa naBaba chinouya kwandiri uye anenge auya kwandiri handimurasiri kunze.
Esplora Johani 6:37
7
Johani 6:68
Simoni Pita akamupindura achiti, “Tenzi tingaende kuna aniko, imi ndimi muna mazwi oupenyu husingaperi.
Esplora Johani 6:68
8
Johani 6:51
Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.”
Esplora Johani 6:51
9
Johani 6:44
“Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.
Esplora Johani 6:44
10
Johani 6:33
Nokuti chingwa chaMwari ndechiya chinobva kudenga uye chinopa upenyu kunyika.”
Esplora Johani 6:33
11
Johani 6:48
Ndini chingwa choupenyu.
Esplora Johani 6:48
12
Johani 6:11-12
Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo. Pavakanga vaguta akati vadzidzi vake vaunganidze zvimedu zvakasara kuitira kuti pashaye nechinoraswa.
Esplora Johani 6:11-12
13
Johani 6:19-20
Vadzidzi pavakanga vakwasva kwamakiromita mashanu kana kuti matanhatu vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiuya pedyo negwa. Vakabva vabatwa nokutya. Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatye zvenyu.”
Esplora Johani 6:19-20