YouVersion Logo
Search Icon

Jobho 42

42
Jobho
1Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:
2“Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose;
hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
3Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’
Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi,
zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.
4“Mati imi, ‘Chinzwa zvino,
uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe,
uye iwe uchandipindura.’
5Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu,
asi zvino meso angu akuonai imi.
6Naizvozvo ndinozvishora pachangu,
uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”
Magumo
7Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho. 8Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.” 9Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.
10Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare. 11Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.
12Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru. 13Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu. 14Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki. 15Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.
16Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina. 17Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.

Currently Selected:

Jobho 42: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy