1
Johani 15:5
Shona BIBLE
SUB
“Ini ndiri muzambiringa, imi muri matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka michero yakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
对照
探索 Johani 15:5
2
Johani 15:4
Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumuzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri.
探索 Johani 15:4
3
Johani 15:7
Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa.
探索 Johani 15:7
4
Johani 15:16
“Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke michero, uye kuti michero yenyu igare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kuna Baba muzita rangu, vakupei icho.
探索 Johani 15:16
5
Johani 15:13
Hakuna munhu ano rudo rukuru kune urwu, kuti munhu arasire hama dzake upenyu hwake.
探索 Johani 15:13
6
Johani 15:2
Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki michero, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka michero, vanorinatsa, kuti riwedzere michero.
探索 Johani 15:2
7
Johani 15:12
Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.
探索 Johani 15:12
8
Johani 15:8
Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke michero yakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
探索 Johani 15:8
9
Johani 15:1
“Ndini muzambiringa wechokwadi, Baba vangu murimi.
探索 Johani 15:1
10
Johani 15:6
Kana munhu asingagari mandiri, anoraswa kunze sedavi, ndokuoma; anounganidzwa, ndokukandirwa mumoto, atsve.
探索 Johani 15:6
11
Johani 15:11
“Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.
探索 Johani 15:11
12
Johani 15:10
Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo.
探索 Johani 15:10
13
Johani 15:17
“Ndizvozvi zvandinokurayirai, kuti mudane.
探索 Johani 15:17
14
Johani 15:19
Kana maiva venyika, nyika yaidana vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.
探索 Johani 15:19
主页
圣经
计划
视频