Hosea 14
14
Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo
1Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.
Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!
2Endai namashoko
uye mudzokere kuna Jehovha.
Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose
mutigamuchire nenyasha,
kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
3Asiria haingatiponesi;
hatingatasvi mabhiza ehondo.
Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’
kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,
nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
4“Ndichaporesa kusateerera kwavo
uye ndichangovada hangu,
nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
5Ndichava sedova kuna Israeri;
achatunga seruva remahapa.
Somusidhari weRebhanoni
achadzikisa midzi yake;
6mabukira ake achakura.
Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,
kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.
7Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.
Achabudirira sezviyo.
Achatunga maruva somuzambiringa,
uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
8Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?
Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.
Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;
kubereka kwako kunobva kwandiri.”
9Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.
Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.
Nzira dzaJehovha dzakarurama;
vakarurama vanofamba madziri,
asi vatadzi vanogumburwa madziri.
موجودہ انتخاب:
Hosea 14: BDSC
سرخی
کاپی
موازنہ
شئیر
کیا آپ جاہتے ہیں کہ آپ کی سرکیاں آپ کی devices پر محفوظ ہوں؟ Sign up or sign in
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.