1
Mako 9:23
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.”
موازنہ
تلاش Mako 9:23
2
Mako 9:24
Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”
تلاش Mako 9:24
3
Mako 9:28-29
Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakundikana kuudzinga?” Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”
تلاش Mako 9:28-29
4
Mako 9:50
“Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”
تلاش Mako 9:50
5
Mako 9:37
“Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”
تلاش Mako 9:37
6
Mako 9:41
Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.
تلاش Mako 9:41
7
Mako 9:42
“Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.
تلاش Mako 9:42
8
Mako 9:47
Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena
تلاش Mako 9:47