1
Mako 4:39-40
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru. Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”
موازنہ
تلاش Mako 4:39-40
2
Mako 4:41
Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
تلاش Mako 4:41
3
Mako 4:38
Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
تلاش Mako 4:38
4
Mako 4:24
Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa.
تلاش Mako 4:24
5
Mako 4:26-27
Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu. Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.
تلاش Mako 4:26-27
6
Mako 4:23
Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
تلاش Mako 4:23