1
Mako 14:36
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
موازنہ
تلاش Mako 14:36
2
Mako 14:38
Rindai munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”
تلاش Mako 14:38
3
Mako 14:9
Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vanhu vachimurangarira nazvo.”
تلاش Mako 14:9
4
Mako 14:34
Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.”
تلاش Mako 14:34
5
Mako 14:22
Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.”
تلاش Mako 14:22
6
Mako 14:23-24
Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.
تلاش Mako 14:23-24
7
Mako 14:27
Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’
تلاش Mako 14:27
8
Mako 14:42
Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”
تلاش Mako 14:42
9
Mako 14:30
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”
تلاش Mako 14:30