1
Ruka 6:38
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
موازنہ
تلاش Ruka 6:38
2
Ruka 6:45
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
تلاش Ruka 6:45
3
Ruka 6:35
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
تلاش Ruka 6:35
4
Ruka 6:36
Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.
تلاش Ruka 6:36
5
Ruka 6:37
“Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.
تلاش Ruka 6:37
6
Ruka 6:27-28
“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.
تلاش Ruka 6:27-28
7
Ruka 6:31
Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
تلاش Ruka 6:31
8
Ruka 6:29-30
Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.
تلاش Ruka 6:29-30
9
Ruka 6:43
“Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
تلاش Ruka 6:43
10
Ruka 6:44
Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.
تلاش Ruka 6:44