1
Mateo 15:18-19
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.
Karşılaştır
Mateo 15:18-19 keşfedin
2
Mateo 15:11
Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.”
Mateo 15:11 keşfedin
3
Mateo 15:8-9
“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”
Mateo 15:8-9 keşfedin
4
Mateo 15:28
Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
Mateo 15:28 keşfedin
5
Mateo 15:25-27
Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!” Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.” Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”
Mateo 15:25-27 keşfedin