1
Genesi 37:5
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Zvino Josefa akarota hope, akaudza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.
Karşılaştır
Genesi 37:5 keşfedin
2
Genesi 37:3
Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti akanga ari mwanakomana woutana hwake; akamuitira nguo yakanga yakareba ina maoko.
Genesi 37:3 keşfedin
3
Genesi 37:4
Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.
Genesi 37:4 keşfedin
4
Genesi 37:9
Akapamha kurotazve, akaudza vakoma vake, akati, “Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichikotamira pamberi pangu.”
Genesi 37:9 keşfedin
5
Genesi 37:11
Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iro.
Genesi 37:11 keşfedin
6
Genesi 37:6-7
Akati kwavari, “Inzwaiwo hope dzangu dzandarota. Tarirai, takanga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikaramba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pamberi pechisote changu.”
Genesi 37:6-7 keşfedin
7
Genesi 37:20
Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ramakomba aya, tigoti, ‘Wadyiwa nechikara;’ tigoona kuti kurota kwake kuchazoitwa seiko.”
Genesi 37:20 keşfedin
8
Genesi 37:28
Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachimubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Ijipiti.
Genesi 37:28 keşfedin
9
Genesi 37:19
Vakataurirana, vachiti, “Hoyo muroti uya wauya.
Genesi 37:19 keşfedin
10
Genesi 37:18
Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.
Genesi 37:18 keşfedin
11
Genesi 37:22
Rubheni akati kwavari, “Musadurura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari;” kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.
Genesi 37:22 keşfedin