Zvawanikwa pakutsvaga: strength
VaFiripi 4:13 (BDSC)
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
2 VaKorinde 12:9 (BDSC)
Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
VaEfeso 6:10 (BDSC)
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
Isaya 40:31 (BDSC)
asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
Isaya 41:10 (BDSC)
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
Joshua 1:9 (BDSC)
Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.”
VaEfeso 6:11 (BDSC)
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
VaEfeso 3:17 (BDSC)
kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,
1 Petro 5:10 (BDSC)
Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.
VaEfeso 3:18 (BDSC)
muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii,
VaEfeso 3:19 (BDSC)
uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
Mapisarema 27:14 (BDSC)
Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.
VaEfeso 6:12 (BDSC)
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.
VaEfeso 6:13 (BDSC)
Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
VaEfeso 6:14 (BDSC)
Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,
VaEfeso 6:16 (BDSC)
Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.
VaEfeso 6:17 (BDSC)
Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.
2 Timoti 1:7 (BDSC)
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.
VaRoma 5:3 (BDSC)
Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira,
VaRoma 5:4 (BDSC)
kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.
1 VaKorinde 10:13 (BDSC)
Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
VaEfeso 6:15 (BDSC)
uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.
VaEfeso 6:18 (BDSC)
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
Jakobho 1:2 (BDSC)
Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,
Jakobho 1:3 (BDSC)
nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.