Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: self-control

VaGaratia 5:23 (BDSC)

kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

VaGaratia 5:22 (BDSC)

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,

VaGaratia 5:16 (BDSC)

Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.

VaGaratia 5:24 (BDSC)

Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva.

1 VaKorinde 9:25 (BDSC)

Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi.

1 VaKorinde 9:27 (BDSC)

Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.

VaGaratia 5:17 (BDSC)

Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.

VaGaratia 5:18 (BDSC)

Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.

VaGaratia 5:19 (BDSC)

Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere;

VaGaratia 5:20 (BDSC)

kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka

VaGaratia 5:21 (BDSC)

nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

VaGaratia 5:25 (BDSC)

Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.

VaGaratia 5:26 (BDSC)

Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.

1 VaTesaronika 5:6 (BDSC)

Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.

1 VaTesaronika 5:7 (BDSC)

Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku.

1 VaTesaronika 5:8 (BDSC)

Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.

Tito 2:11 (BDSC)

Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.

Tito 2:12 (BDSC)

Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,

Tito 2:13 (BDSC)

takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,

1 Petro 4:7 (BDSC)

Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.

1 Petro 4:9 (BDSC)

Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.

2 Petro 1:5 (BDSC)

Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;

2 Petro 1:6 (BDSC)

napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;

2 Petro 1:7 (BDSC)

napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.

2 Petro 1:8 (BDSC)

Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.