Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: purity

1 Timoti 4:12 (BDSC)

Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.

Mapisarema 119:9 (BDSC)

Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

1 VaKorinde 6:19 (BDSC)

Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;

1 VaKorinde 6:20 (BDSC)

makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

VaFiripi 4:8 (BDSC)

Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

Mapisarema 51:10 (BDSC)

Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.

2 VaKorinde 7:1 (BDSC)

Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.

1 VaTesaronika 4:3 (BDSC)

Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:

1 VaTesaronika 4:4 (BDSC)

kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,

1 VaKorinde 6:18 (BDSC)

Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.

VaEfeso 5:3 (BDSC)

Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.

1 VaTesaronika 4:5 (BDSC)

asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

1 VaTesaronika 4:7 (BDSC)

Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.

1 VaTesaronika 4:8 (BDSC)

Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.

2 Timoti 2:22 (BDSC)

Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.

Mapisarema 119:11 (BDSC)

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.

VaRoma 6:23 (BDSC)

Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

VaRoma 8:6 (BDSC)

Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

VaRoma 12:1 (BDSC)

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

VaRoma 12:2 (BDSC)

Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

1 VaKorinde 10:13 (BDSC)

Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

2 VaKorinde 10:5 (BDSC)

Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.

VaGaratia 5:16 (BDSC)

Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.

VaGaratia 5:22 (BDSC)

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,

VaGaratia 5:23 (BDSC)

kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.