Zvawanikwa pakutsvaga: purity
1 Timoti 4:12 (BDSC)
Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.
Mapisarema 119:9 (BDSC)
Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei? Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.
1 VaKorinde 6:19 (BDSC)
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;
1 VaKorinde 6:20 (BDSC)
makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.
VaFiripi 4:8 (BDSC)
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
Mapisarema 51:10 (BDSC)
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
2 VaKorinde 7:1 (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.
1 VaTesaronika 4:3 (BDSC)
Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:
1 VaTesaronika 4:4 (BDSC)
kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,
1 VaKorinde 6:18 (BDSC)
Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.
VaEfeso 5:3 (BDSC)
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.
1 VaTesaronika 4:5 (BDSC)
asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;
1 VaTesaronika 4:7 (BDSC)
Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.
1 VaTesaronika 4:8 (BDSC)
Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.
2 Timoti 2:22 (BDSC)
Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
Mapisarema 119:11 (BDSC)
Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirai.
VaRoma 6:23 (BDSC)
Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
VaRoma 8:6 (BDSC)
Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;
VaRoma 12:1 (BDSC)
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
VaRoma 12:2 (BDSC)
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
1 VaKorinde 10:13 (BDSC)
Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
2 VaKorinde 10:5 (BDSC)
Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu.
VaGaratia 5:16 (BDSC)
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.
VaGaratia 5:22 (BDSC)
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,
VaGaratia 5:23 (BDSC)
kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.