Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: mercy

VaHebheru 4:16 (BDSC)

Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

Jakobho 2:13 (BDSC)

nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!

Kuungudza kwaJeremia 3:22 (BDSC)

Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

Kuungudza kwaJeremia 3:23 (BDSC)

Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

VaEfeso 2:4 (BDSC)

Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni,

VaEfeso 2:5 (BDSC)

akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.

Mapisarema 51:1 (BDSC)

Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.

VaEfeso 2:8 (BDSC)

Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,

Ruka 6:36 (BDSC)

Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

Tito 3:5 (BDSC)

akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,

Mapisarema 51:2 (BDSC)

Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.

Kuungudza kwaJeremia 3:24 (BDSC)

Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

Mika 6:8 (BDSC)

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

Ruka 6:35 (BDSC)

Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.

VaRoma 9:15 (BDSC)

Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”

VaRoma 9:16 (BDSC)

Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari.

VaEfeso 2:6 (BDSC)

Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu,

1 Timoti 1:16 (BDSC)

Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi.

VaHebheru 4:15 (BDSC)

Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.

Jakobho 2:12 (BDSC)

Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,

1 Petro 1:3 (BDSC)

Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,

Mapisarema 103:8 (BDSC)

Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.

Mapisarema 103:10 (BDSC)

haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

Mapisarema 103:11 (BDSC)

Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

Mapisarema 103:12 (BDSC)

sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.