Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: honor

VaRoma 12:10 (BDSC)

Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.

Zvirevo 21:21 (BDSC)

Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.

VaRoma 12:1 (BDSC)

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

VaRoma 12:9 (BDSC)

Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.

VaRoma 12:12 (BDSC)

Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.

VaRoma 12:15 (BDSC)

Farai navanofara; chemai navanochema.

VaRoma 12:19 (BDSC)

Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.

VaRoma 12:21 (BDSC)

Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

1 VaKorinde 6:19 (BDSC)

Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;

1 VaKorinde 6:20 (BDSC)

makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

VaFiripi 2:3 (BDSC)

Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.

VaFiripi 4:8 (BDSC)

Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

VaKorose 3:23 (BDSC)

Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,

1 Petro 5:6 (BDSC)

Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.

Mapisarema 46:10 (BDSC)

“Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”

Zvirevo 3:5 (BDSC)

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;

Zvirevo 3:6 (BDSC)

munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.

Zvirevo 3:7 (BDSC)

Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.

Mateo 13:57 (BDSC)

Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”

Mateo 15:4 (BDSC)

Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

Mateo 15:8 (BDSC)

“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.

Mako 6:4 (BDSC)

Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”

Ruka 14:11 (BDSC)

Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”

Johani 5:23 (BDSC)

kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.

Johani 12:26 (BDSC)

Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.