Zvawanikwa pakutsvaga: honor
VaRoma 12:10 (BDSC)
Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.
Zvirevo 21:21 (BDSC)
Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.
VaRoma 12:1 (BDSC)
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
VaRoma 12:9 (BDSC)
Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.
VaRoma 12:12 (BDSC)
Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
VaRoma 12:15 (BDSC)
Farai navanofara; chemai navanochema.
VaRoma 12:19 (BDSC)
Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.
VaRoma 12:21 (BDSC)
Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
1 VaKorinde 6:19 (BDSC)
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;
1 VaKorinde 6:20 (BDSC)
makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.
VaFiripi 2:3 (BDSC)
Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.
VaFiripi 4:8 (BDSC)
Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
VaKorose 3:23 (BDSC)
Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,
1 Petro 5:6 (BDSC)
Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
Mapisarema 46:10 (BDSC)
“Mirai, muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”
Zvirevo 3:5 (BDSC)
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
Zvirevo 3:6 (BDSC)
munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
Zvirevo 3:7 (BDSC)
Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
Mateo 13:57 (BDSC)
Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”
Mateo 15:4 (BDSC)
Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
Mateo 15:8 (BDSC)
“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.
Mako 6:4 (BDSC)
Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
Ruka 14:11 (BDSC)
Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Johani 5:23 (BDSC)
kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
Johani 12:26 (BDSC)
Ani naani anondishandira anofanira kunditevera; uye pandinenge ndiri, muranda wangu achavapowo ipapo. Baba vangu vachakudza munhu uyo anondishandira.