Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: comfort

2 VaKorinde 1:4 (BDSC)

ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

2 VaKorinde 1:3 (BDSC)

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,

Mapisarema 23:4 (BDSC)

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.

2 VaKorinde 1:5 (BDSC)

Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.

Isaya 41:10 (BDSC)

Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

Mapisarema 94:19 (BDSC)

Pandakava nokufunganya kukuru mandiri, kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

Mateo 11:28 (BDSC)

“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.

Mateo 11:29 (BDSC)

Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.

Johani 14:27 (BDSC)

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.

2 VaKorinde 1:6 (BDSC)

Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.

2 VaKorinde 1:7 (BDSC)

Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.

Mapisarema 23:1 (BDSC)

Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.

Mapisarema 23:3 (BDSC)

anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.

Mapisarema 94:18 (BDSC)

Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

Mapisarema 34:18 (BDSC)

Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

2 VaTesaronika 2:16 (BDSC)

Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka,

Mapisarema 23:2 (BDSC)

Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,

Mapisarema 23:5 (BDSC)

Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.

Mapisarema 23:6 (BDSC)

Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.

Mateo 6:25 (BDSC)

“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?

Mateo 6:33 (BDSC)

Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

Mateo 6:34 (BDSC)

Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Mateo 7:7 (BDSC)

“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

Mateo 11:30 (BDSC)

Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”

Mateo 28:20 (BDSC)

uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.”