Zvawanikwa pakutsvaga
VaFiripi 4:13 (BDSC)
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
2 VaKorinde 12:9 (BDSC)
Asi iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera.” Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
2 VaKorinde 12:10 (BDSC)
Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
Isaya 40:29 (BDSC)
Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.
Isaya 40:30 (BDSC)
Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa;
Isaya 40:31 (BDSC)
asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
Mapisarema 18:1 (BDSC)
Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.
VaEfeso 6:10 (BDSC)
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
Mako 12:30 (BDSC)
Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’
Isaya 41:10 (BDSC)
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
Dhuteronomi 31:6 (BDSC)
Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”
Mapisarema 73:26 (BDSC)
Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
1 Makoronike 16:11 (BDSC)
Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
2 Samueri 22:33 (BDSC)
NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu.
Mapisarema 28:7 (BDSC)
Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.
Nehemia 8:10 (BDSC)
Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
Zvirevo 24:10 (BDSC)
Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!
VaRoma 15:1 (BDSC)
Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.
Jobho 30:2 (BDSC)
Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei, sezvo simba ravo rakanga rapera?
Jobho 36:5 (BDSC)
“Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
Zvirevo 24:5 (BDSC)
Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;
1 VaKorinde 8:9 (BDSC)
Asi chenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuva chigumbuso kuna vasina simba.
Mapisarema 68:28 (BDSC)
Danai simba renyu, imi Mwari; tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare.
Genesisi 30:42 (BDSC)
asi kana zvipfuwo zvisina simba, aisaisa matanda ipapo. Saka zvipfuwo zvisina simba zvakaenda kuna Rabhani uye zvine simba zvikaenda kuna Jakobho.
1 VaKorinde 9:22 (BDSC)
Kuna vasina simba ndakava sendisina simba, kuti ndiwane vaya vasina simba. Ndakava zvose kuvanhu vose kuitira kuti ndiponese vamwe nemitoo yose inogoneka.