Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Runyararo Muzvose: Kugamuchira Zororo raJesu Kisimusi Ino Chikamu

All Is Calm: Receiving Jesus' Rest This Christmas

DAY 1 OF 5

Zuva Rekutanga: Sei Takafanira Kuzorora paKisimusi


“Deck the halls with boughs of holly,” kambo keKesimusi kanozivakanwa kwese kwese kanovamba nekurudziro yekushongedza nekuita bishi reKisimusi. Isu tinobva taita saizvozvo.


Vamwe vedu vanotanga kugadzirira Kisimusi panongotanga chando kuuuya, asi vamwe vanomirira kusvika kwekupedzisira sira.


Asi pane imwe nguva yekuti tose tinenge tirimubishi kwazvo- zvizhinji zvinenge zviine mafaro nekupembera asi zvichinetesa, zvichizosiya mweya yedu yafufutirwa asi isina chinobatika mairi. Kazhinji, pakati pemhembero idzi tinozvibvunza chinyarire, “ndipo pose here ipapa?” Nhau yakanaka ndeyekuti kudarika twubikwa twunonaka, zvitengwa zvitsva, nezvishongedzo zvose Mwanakomana waMwari akave munhu kunesu.


Mwari vanoziva kuti hatitane kupinda mubishi. Ndicho chimwe chezvikonzero chakaita kuti vagadzirire vaIziraeri zororo zuva rechinomwe rega rega - kuti vawane kumbomira pamabasa avo uye vakwanise kuuona kunaka kwaMwari wavo, kudisisa kwavanomuita, uye chipo chake kwavari cherunyararo rwakadzama.


Mukupota tichiedza kuzorora, tinoratidza Mwari kuti tinoinzva naye: kunyange patinge tisina mabasa, Mwari ndivo vanobata raramo yedu yose muchanza chavo.


Gore rino ndinokukokai, sekukokwa kwakaitwa vadzidzi naIshe Muponisi, achiti uyai kwandiri muzorore, uye muone patsva kushamisa nemufaro wemwaka weKisimusi mumitambo nemumabiko enyu.


Asi zvinombotaridzika seiko izvozvo?


Pamazuva mana arikutevera, tichaedza rumbidzo yakadzama tichitevedzera REST: Remember kana kuti Rangarirai kunaka Kwake, Express kana kuti Ratidzai kuti munoda rubatsiro, Seek kana kuti Tsvakai Runyararo rwaMwari, Trust kana kuti Vimbai mukutendeka kwaMwari.


Munogamuchira here kukokwa Naiye Kisimusi ino? Huyai kwechinguvana, muzorore.


Munamato: Oh Tenzi, munondiziva zvikuru. Munoziva kuti ndinoshuvira kuvanenguva yekufara nehama neshamwari dzangu, asi ndinosvika pakupinda mukumanikidzwa nemabasa nevimbiso dzandinovapa, mumagumo azvo ndinokonzeresa kurwadziwa nekushushikana kwakanyaya. Gore rino ndinoramba zvose izvoizvo. Saka, ndinouya kwamuri ndakavhura maoko nemoyo wangu. Ndiri pano. Ndidzidzisei kuva nekuzorora mukupemberera kuzvarwa kweMuponisi wedu. Gadzirai moyo wangu kuti ukosherwe nekunaka kwenyu nekukuimbirai nziyo dzerumbidzo. Ameni.


Munoda kunzwa zvimwe here? Torai Unwrapping the Names of Jesus bundle kuti mupuhwe Names of Jesus prayer journal, Rest prayer bookmark, ne Prayer for Christmas Rest.



Zuva 2

About this Plan

All Is Calm: Receiving Jesus' Rest This Christmas

Mwaka werufaro, asi unogona kuvenguva yebishi. Huyai kwechinguvana chezororo nerumbidzo chinova ndicho chichakupai simba mumafaro nemumabasa emwaka uyu. Kubva mubhuku Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional,...

More

Tinoda kutenda Moody Publishers nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: http://onethingalone.com/advent

Zvirongwa zvakada kufanana neichi

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy