Kuropafadzwa KwakapfuurisaChikamu

TAKAROPAFADZWA PAMWEYA
Paupenyu hwake hwese, Jesu Kristu akasvika kune vakaputsika, vakarasika, nevakaneta. Akashanyira zvakare avo vaitarisirwa kunzi vakaraswa. Mukugara nekutarisa zveupenyu hwawo, akaona kuti munhu wemukati akanga akatsikirirwa asina kukomborerwa. Akaropafadza vapfumi pamwe nevarombo. Akaenda pamuchinjiko kuti agosunungura vanhu ava vose.
Wati wambonzwa here Baba vachiti kwauri,” Uri mwanasikana wandinodisissa, mwanakomana wandinodisisa?” Zvakadaro wobva wadeedzwa nezita rako kuti, “Uri wangu. Ndakakutora.” Paanotida nesimba iro raakada naro mwanakomana wake, tinotanga kuona kujekerwa nekuziva zvazvinoreva kuti “takaropadzwa nemakomborero ese pamweya munzvimbo yemuchadenda.” Muchadenga umu haisi nzvimbo ingaoneka nekunongedzerwa, asi nzvimbo yemweya. Mwari vedu vari kudenga vanotarira kwose kwose uye panyika pano vaina Kristu. Vari matiri pamweya kuti tizive kuti tinodiwa.
Kutaura kwekuti “muna Kristu” kunotaura ukama une munhu naKristu kubudikidza nezvatakaitirwa naKristu. Muukama uhu, Pauro anotaura kuti makamborero ese akatarisana neruponeso anongova eavo vari muna Kristu. Kuti tikwanise kusangana nemakomborero ose aya anobva kudenga, munhu anofanira kurarama nekutenda mukufa, kuvigwa nekumuka kwaJesu.
Munamato: Mwari mazvita henyu nekutikomborera nemakomborero ose emweya. Mazvita henyu makatisarudza kunyange nenyika ino isati yavambwa. Tibatsirei kuti tive vatsvene kuti tigofara mumaropafadzo ose nekuzara kwawo. Tinokumbirira kuregererwa kwezvivi zvedu kuti tigova vanakomana nevanasikana venyu. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaRoma 6:3 | VaGaratiya 3:26,27 | 1 VaKorinde 15:40-50.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu

Mukati meguta mune uipi hwakanyanyisa, Pauro anonyora kuti makristu azive izvo Mwari zvavanofunga pamusoro pevanhu. Mwari vanotida. Kumuziva kwedu zvakanyanya, ndiko kunzwisisawo kwedu rudo rwake kwatiri. Tose tinotarisira kudiwa nekugamuchirwa kwakanaka, uye kunofadza. Kumakristu, takadiwa nekusarudzwa naMwari nyika isati yavambwa. Tiri wake uye vamwe vemhuri yake.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL