Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristuChikamu

Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristu

DAY 7 OF 13

KUCHAVA NEUPENYU MUSHURE MEKUFA: Upenyu mushure mekufa uchava Kudenga kana Kugehena

Magrwaro anotidzidzisa pamusoro peupenyu mushure mekufa.Mushure mekufa vanhu vese vanoenda kudenga kana kugehena. Kudenga ndiko kunaMwari.Kudenga kuchange kwazara nemufaro nekuti tinenge tina Mwari.Kugehena inzvimbo yekurangwa.Vanhu vari kugehena vakapadzaniswa naMwari nekusingaperi. Mwari achatonga munhu wese.


Kupfurikidza nekuronda Nzira yeChiwanikwa inotevera unokwanisa kuwana rugwaro rwezuva ranhasi, kunzwa inzwi raMwari, nekukura pahukama naJesu.

Ziva Nyaya: Tanga nekuverenga rugwaro kamwechete. Tevera nenzwisiso yenyaya uchipindura mibvunzo wekutanga uri pasi. Ita zvimwezvo kupindura mubvunzo wepiri newetatu.

1. Ndevapi vatambi munyaya iyi?

2. Ndezvipi zvinoitwa nemutambi umwe neumwe?

3. Zvimwe zvaunoona zvakakosha munyaya iyi ndezvipi?

Nzwisisa Nyaya: Verenga nyaya pekare uchipindura mubvunzo wechina neweshanu. Kana zvirimo zvisina kujeka shandiso mawonero ako kuburitsa zvinodiwa maringe nechimiro chezvinhu uye sarudzo dzemutambi.

4. Mutambi umwe neumwe wainzwa sei? 

5. Ndedzipi vavariro dzinosunda maitiro avo?

Chiwanikwa cheZvokwadi: Zvatava nenzwisiso yakajeka yenyaya, pane zvidzidzo zvechokwadi zvichabuda.

6. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nenzira kwadzo dzekufunga nezviito?

7. Nyaya iyi inotidzidzisa chii maererano nekuda Mwari uye kuda vamwe?

Zvekuita neChokwadi: Zvowoziva zviwanikwa zvakakosha izvi kubva munyaya, kumbira nemunamato utungamirirwe kupindura mibvunzo sere nepfumbamwe inotevera.

8. Sarudza chokwadi chimwe chete chanyanya kukukoshera muupenyu hwako pahuri? 

9. Ndedzipi nzira dzinobatika dzaungashandisa chokwadi ichi muhupenyu hwako [Shanduko dzauchada kuita ndedzipi mumafungiro, maitiro, kana pahukama nevamwe]?


Tora chikamu chenguva nemunamato upe davidzo kuzvidzidzo zviri mundima iyi. Uzvipire kuteerera kuzvidzidzo zvawadzidza, nekukumbira nyasha dzekuita shoko iri pakurarama.

Usavanza chokwadi cheupenyu cheshoko raMwari chawawana. Aripo here umwe waungagoverana naye nyaya yemubhaibheri yawawana iyi? Tora kudenhwa ushambadze chiwanikwa ichi kumunhu umwe muvhiki ino

Zuva 6Zuva 8

About this Plan

Chiwanikwa: Nhoroondo yaMwari kubva kumavambo kusvika panaKristu

Bhaibheri irondedzero yaMwari maererano nemarudzi evanhu - Asi mumabhuku makumi matanhatu nematanhatu, nemazwi akawanda evatauri munguva dzakasiyana, hazvisi nyore kukuvanidza nyaya iyi kuva chinhu chimwe. Mwari vari kumboti kudini? Muchidzidzo chiri pano uchatevera ndima dzakakosha gumi nenhatu kubvira pakusikwa kwazvose dzamara kuna Kristu, tichivhendenyura rudingindira rwenhoroondo dzemubhaibheri. Waranura kudonha kwakaita rudzi rwemunhu, nekuvarira kwaMwari kudzosa kuyanana.

More

Tinoda kuonga Every Home For Christ pakupa chirongwa ichi. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota shanyira: http://www.ehc.org/