Zekaria 10:1-12
Zekaria 10:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe; Jehovha ndiye anogadzira makore edutu. Anonayisa mvura kuvanhu, uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe. Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema; vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi. “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, uye ndicharova vatungamiri, nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya namakwai ake, imba yaJudha, uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa. Muna Judha muchabva ibwe rapakona, kubva maari mbambo yetende, kubva maari uta hwehondo, kubva maari vatungamiri vose. Pamwe chete vachava savarume voumhare vanotsika migwagwa ina matope pakurwa. Nokuti Jehovha anavo, vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza. “Ndichasimbisa imba yaJudha uye ndichaponesa imba yaJosefa. Ndichavadzosa nokuti ndinovanzwira tsitsi. Vachava savanhu vandakanga ndisina kuramba, nokuti ndini Jehovha Mwari wavo uye ndichavapindura. VaEfuremu vachava semhare, uye mwoyo yavo ichafara sevakabatwa newaini. Vana vavo vachazviona uye vachapembera; Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha. Ndichaninira kwavari ndigovaunganidza. Zvirokwazvo ndichavadzikinura, vachava vakawanda sakare. Kunyange ndikavaparadzira pakati pamarudzi, kunyange zvakadaro vachandirangarira vari kunyika dziri kure. Ivo navana vavo vachararama, uye vachadzoka. Ndichavauyisa kubva kuIjipiti uye ndichavaunganidza kubva kuAsiria. Ndichavauyisa kuGireadhi nokuRebhanoni, uye hakungazovi nenzvimbo yavanokwana. Vachapfuura napagungwa rokutambudzika; mafungu egungwa achaderedzwa uye pakadzika pose muna Nairi pachapwa. Kuzvikudza kweAsiria kuchaparadzwa uye tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. Ndichavasimbisa muna Jehovha uye muzita rake vachafamba,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zekaria 10:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda. Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi. Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa. Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta hwehondo, kwaari vabati vose pamwechete. Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa. “Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa. VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha. “Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikinura; vachawanda sezvavaiwanda kare. Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka. Ndichavadzosazve panyika yeIjipiti, ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGireadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara. Achafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zekaria 10:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kumbirai TENZI mvura munguva yemvura yomunhuruka, kuna TENZI anogadzira dutu ramakore emvura. Ndiye anopa vanhu mvura inonaya achipawo kumunhu wose zvinhu zvinomera mumunda make. Chandinodariro ndechokuti zvifananidzo zvokunamata zvinongowawata nhema zvadzo, uye vashoperi vanoona zvamanyepo, varotiwo vachirotomoka zvenhema vachinyaradza vanhu zvokungovabata kumeso chete. Nezvo vanhu vanodzungaira sehwai vanotambura nokushaya mufudzi. Hasha dzangu dzavirukira kwazvo vafudzi ivavo, saka ndichapa vatungamiriri shamhu yokuranga, nokuti TENZI wehondo nehondo ane hanya nedanga rehwai dzake iyo imba yokwaJudha. Uye achavaita samabhiza ake akanakisisa okurwisa nawo kuhondo. Mavari ndimo muchabva ibwe rapakona, mavari muchibuda hoko yetendhe, mavari muchabvawo uta hwehondo, mavari ndimo muchamuka mutongi wose zvake. Vose pamwechete vachava magamba chaiwo avarume vehondo, vanotsokodzera muvengi mumatope omumigwagwa. Vacharwa hondo nokuti TENZI anavo. Vachapazamisa musoro vatasvi vamabhiza. Ini ndichasimbisa imba yokwaJudha ndigoponesa imba yokwaJosefi. Ndichavadzosera kuno nokuti ndinovanzwira ngoni. Vachaita sokunge ndisina kumbovaramba nokuti ini ndini TENZI, Mwari wavo uye ndichavapindura. Ipapo vokwaEfuremu vachava segamba rokurwa hondo mumwoyo vachifara savanhu vanwa waini. Vana vavo vachazvionawo vakafara zvikuru, mwoyo yavo ichafara muna TENZI. Ndichavaridzira mheterwa ndivaunganidzemo nokuti ndakavanunura. Uye vachawanda sezvavaiva kare. Kunyange zvazvo ndakanga ndavati mwarara mukati memarudzi asi kunyika dzokure ikoko vachandirangarira, uyewo vachararama pamwechete navana vavo vagozodzokazve kuno. Ndichavadzosera kumusha ndichivabvisa kunyika yeIjipiti, ndichavakokorodza kuAsiria ndigovaunza kudunhu rokwaGireadhi nokuRebhanoni kusvikira pasisina pokugara. Vachadimura nomugungwa reIjipiti, mafungu egungwa achange akamiswa, hwenje hwese hwemvura yaNairi huchange hwati gwa kuoma. Kuzvitutumadza kweAsiria kuchaderedzwa pasi pasi chaipo, uye tsvimbo youmambo hweIjipiti ichabva. Ndichavasimbaradza muna TENZI vachafamba muzita rake. Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Zekaria 10:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kumbirai kunaJehova mvura neŋguʋa yemvura yokupedzisira, kunaiye Jehova unoita mheni; iye ucaʋapa mvura inonaya kwaɀo, mumŋe nomumŋe aʋe neɀinomera mumunda. Nokuti terafimi dzakataura ɀisinamaturo, ʋaʋuki ʋakaʋona nhema, ʋakaʋudza ʋanhu kurota kwenhema, ʋanoʋaraidza pasina; saka ʋanoɀiindira samakwai, ʋanotambudzika nokushaiwa mufudzi. Kutsamŋa kwaŋgu kwakamukira ʋafudzi, ndicaroʋa nhoŋgo; nokuti Jehova wehondo wakashanyira ɓoka rake, iyo imba yaJuda, ucaʋaita sebiza rake rakanaka pakurwa. Kwaari kucabva ibge rekona, kwaari mbambo, kwaari ʋuta bgehondo, kwaari ʋaɓati ʋose pamŋe cete. Ʋacaʋa semhare dzinotsika ʋaʋeŋgi ʋadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; ʋacarwa nokuti Jehova unaʋo; ʋataȿi ʋamabiza ʋacanyadziswa. Ndicasimbisa imba yaJuda, ndicaponesa imba yaJosefa, nokuʋadzosera ɀe, nokuti ndicaʋanzwira nyasha; ʋacaʋa saʋanhu ʋasina‐kurashwa neni; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo, ndicaʋanzwa. ƲaEfraimi ʋacaʋa semhare, mŋoyo yaʋo icafara saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ɀirokwaɀo ʋana ʋaʋo ʋacaɀiʋona, ʋakafara; mŋoyo yaʋo icafara munaJehova. Ndicaʋaridzira muridzo, ndiʋaʋuŋganidze; nokuti ndakaʋadzikinura; ʋacawanda seɀaʋaiwanda kare. Ndicaʋakusha pakati pendudzi dzaʋanhu; ʋacandiraŋgarira kunyika dziri kure; ʋacararama pamŋe cete naʋana ʋaʋo, ʋakadzoka. Ndicaʋadzosa ɀe panyika yeEgipita, ndicaʋaʋuŋganidza ndiciʋabvisa paAsiria; ndicaʋaȿitsa kunyika yeGireadi neRebanoni; ʋacashaiwa pokugara. Ucafamba nomuguŋgwa rokutambudzika, ucaroʋa mafuŋgu muguŋgwa, pakadzika pose muNairi pacapxa; kuɀikudza kweAsiria kucaɗeredzwa, tȿimbo yoʋushe yeEgipita icabviswa. Ndicaʋasimbisa munaJehova, ʋacafamba muzita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zekaria 10:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)