Kumbirai TENZI mvura munguva yemvura yomunhuruka, kuna TENZI anogadzira dutu ramakore emvura. Ndiye anopa vanhu mvura inonaya achipawo kumunhu wose zvinhu zvinomera mumunda make. Chandinodariro ndechokuti zvifananidzo zvokunamata zvinongowawata nhema zvadzo, uye vashoperi vanoona zvamanyepo, varotiwo vachirotomoka zvenhema vachinyaradza vanhu zvokungovabata kumeso chete. Nezvo vanhu vanodzungaira sehwai vanotambura nokushaya mufudzi. Hasha dzangu dzavirukira kwazvo vafudzi ivavo, saka ndichapa vatungamiriri shamhu yokuranga, nokuti TENZI wehondo nehondo ane hanya nedanga rehwai dzake iyo imba yokwaJudha. Uye achavaita samabhiza ake akanakisisa okurwisa nawo kuhondo. Mavari ndimo muchabva ibwe rapakona, mavari muchibuda hoko yetendhe, mavari muchabvawo uta hwehondo, mavari ndimo muchamuka mutongi wose zvake. Vose pamwechete vachava magamba chaiwo avarume vehondo, vanotsokodzera muvengi mumatope omumigwagwa. Vacharwa hondo nokuti TENZI anavo. Vachapazamisa musoro vatasvi vamabhiza. Ini ndichasimbisa imba yokwaJudha ndigoponesa imba yokwaJosefi. Ndichavadzosera kuno nokuti ndinovanzwira ngoni. Vachaita sokunge ndisina kumbovaramba nokuti ini ndini TENZI, Mwari wavo uye ndichavapindura. Ipapo vokwaEfuremu vachava segamba rokurwa hondo mumwoyo vachifara savanhu vanwa waini. Vana vavo vachazvionawo vakafara zvikuru, mwoyo yavo ichafara muna TENZI. Ndichavaridzira mheterwa ndivaunganidzemo nokuti ndakavanunura. Uye vachawanda sezvavaiva kare. Kunyange zvazvo ndakanga ndavati mwarara mukati memarudzi asi kunyika dzokure ikoko vachandirangarira, uyewo vachararama pamwechete navana vavo vagozodzokazve kuno. Ndichavadzosera kumusha ndichivabvisa kunyika yeIjipiti, ndichavakokorodza kuAsiria ndigovaunza kudunhu rokwaGireadhi nokuRebhanoni kusvikira pasisina pokugara. Vachadimura nomugungwa reIjipiti, mafungu egungwa achange akamiswa, hwenje hwese hwemvura yaNairi huchange hwati gwa kuoma. Kuzvitutumadza kweAsiria kuchaderedzwa pasi pasi chaipo, uye tsvimbo youmambo hweIjipiti ichabva. Ndichavasimbaradza muna TENZI vachafamba muzita rake. Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Verenga chikamu Zekariya 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zekariya 10:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo