Tito 3:8-9
Tito 3:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose. Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri.
Tito 3:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ishoko rechokwadi, uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, zvokuti avo vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Ndizvo zvakanaka, zvinobatsira vanhu; asi unzvenge mibvunzo youpenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti hazvina maturo, hazvine basa.
Tito 3:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndezvechokwadi. Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu. Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo.
Tito 3:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishoko raɀokwaɗi, ʋuye ndinoɗa kuti usimbise kwaɀo ɀinhu iɀi, ɀokuti aʋo ʋakatenda Mŋari ʋacenjere kuti ʋarambe ʋaciita maɓasa akanaka. Ndiɀo ɀakanaka, ɀinoɓatsira ʋanhu; asi unɀeŋge mibvunzo yoʋupenzi, namazita amadziteteguru, negakaʋa, nokukakaʋara pamsoro pomurairo, nokuti haɀinamaturo, haɀineɓasa.
Tito 3:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)