Titosi 3:8-9
Titosi 3:8-9 SCLBD
Izvi ndezvechokwadi. Ndinoda kuti iwe usimbisise zvinhu izvi, kuti avo vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira kumabasa akanaka. Izvi zvakanakisa kwazvo uye zvinobatsira vanhu. Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo.

