Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:1-13 - Compare All Versions
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:1-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata. Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara. Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya. Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo. Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo. Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo. Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose. Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi. Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu. Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:1-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani. Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda. Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu. Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo. Nditsigirei namadzambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo. Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. Inzwai izwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo. Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamawindo; Anodongorera napazvitanda zvamawindo. Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, “Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!” Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda; Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nezwi renjiva rinonzwika panyika yedu. Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye midzambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu huya!
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:1-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ini ndiri ruva romurosi wekuSharoni ruva reriri zvaro romumapani. Seruva reriri mukati merukato ndizvo zvakaita chido chemwoyo wangu pakati pevasikana. Somuti wemuapuru mukati mesango, ndozvakaita mudiwa wangu mukati memajaya. Muti wandakagara mumumvuri wawo norufaro une michero yawo inondinakira. Akaenda neni kumabiko ewaini. Rudo ndorwaiva pamusoro, somureza. Dai ukangondidzorawo mwoyo nemichero yemagirepisi akaomeswa undimutse mwoyo nemaapuru nokuti ini ndashaya pokuisa mwoyo ini norudo! Dai ruoko rwake rweruboshe ruri pasi pemusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika. Ndiri kunzwa mutsindo womudiwa wangu, hoyo wouya, achiuruka mumakomo. Achisvetuka zvikomo mudiwa wangu akaita semhara kana kuti setsvana yemhene. Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu achidongorera napawindo achitarisa nepawaya yesefa. Mudiwa wangu hoyo wotaura achinditi: “Simuka chido chemwoyo wangu iwe tsvarakadenga yangu uuye.” Nguva yechando yapfuura mvura yokunaya yapera, uye yaenda. Maruva abuda panyika nguva yokuimba yasvika kurira kwenjiva kwava kunzwika munyika medu. Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:1-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndiri ruʋa reɓundo rokuSharoni, Ndiri ruʋa rokumapani. Seruʋa pakati peminzwa, Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu pakati paʋakunda. Somuapuri pakati pemiti yokuɗondo, Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu pakati paʋanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Ɀiɓereko ɀake ɀakaŋga ɀicinaka pamukanwa waŋgu. Wakandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamsoro paŋgu rwakaŋga ruri ruɗo. Nditsigirei namazambiriŋga akawomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara noruɗo. Ruʋoko rwake rworuɓoshwe ruri pasi pomusoro waŋgu; Ruʋoko rwake rworudyi runondimbundikira. Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Nemharapara nenondo dzokuɓundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene. Inzwai inzwi romuɗiwa waŋgu! Tarirai, woʋuya, Acikwakuka pamakomo, Acicirika paɀikomo. Muɗiwa waŋgu wakafanana nemharapara kana nomŋana wenondo; Tarirai, womira seri kworuȿiŋgo rweɗu; Unotarira napamawindi; Unoɗoŋgorera napaɀitanda ɀamawindi. Muɗiwa waŋgu wakataura, akati kwandiri: Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya! Nokuti, tarira, cando caenda; Mvura yapera, yaenda; Maruʋa oʋonekwa panyika; Ŋguʋa yokurira kweshiri yaȿika, Nenzwi renjiʋa rinonzwika panyika yeɗu. Muʋonde woibvisa maʋonde awo mambishi, Ʋuye mizambiriŋga yotuŋga maruʋa; Yoɓuɗisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:1-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)