Rwiyo 2:1-13
Rwiyo 2:1-13 SCLBD
Ini ndiri ruva romurosi wekuSharoni ruva reriri zvaro romumapani. Seruva reriri mukati merukato ndizvo zvakaita chido chemwoyo wangu pakati pevasikana. Somuti wemuapuru mukati mesango, ndozvakaita mudiwa wangu mukati memajaya. Muti wandakagara mumumvuri wawo norufaro une michero yawo inondinakira. Akaenda neni kumabiko ewaini. Rudo ndorwaiva pamusoro, somureza. Dai ukangondidzorawo mwoyo nemichero yemagirepisi akaomeswa undimutse mwoyo nemaapuru nokuti ini ndashaya pokuisa mwoyo ini norudo! Dai ruoko rwake rweruboshe ruri pasi pemusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika. Ndiri kunzwa mutsindo womudiwa wangu, hoyo wouya, achiuruka mumakomo. Achisvetuka zvikomo mudiwa wangu akaita semhara kana kuti setsvana yemhene. Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu achidongorera napawindo achitarisa nepawaya yesefa. Mudiwa wangu hoyo wotaura achinditi: “Simuka chido chemwoyo wangu iwe tsvarakadenga yangu uuye.” Nguva yechando yapfuura mvura yokunaya yapera, uye yaenda. Maruva abuda panyika nguva yokuimba yasvika kurira kwenjiva kwava kunzwika munyika medu. Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu.

