Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 9:19-33

VaRoma 9:19-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?” Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ” Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi? Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa? Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya, kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo? Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti: “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,” uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamusi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ” Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti: “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa. Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.” Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti: “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.” Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda; asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana. Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 9

VaRoma 9:19-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino iwe ungati kwandiri, “Iye achapireiko mhosva? Nokuti ndianiko anoramba kuda kwake?” Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakaumbwa chingati kunoakachiumba, “Wandiitireiko kudai?” Ko muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite midziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa? Zvino tichatiiko kuna Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya, iyesu vakadanwawo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheniwo? Sezvaanorevawo mubhuku yaHosea, achiti, “Avo vakanga vasi vanhu vangu, ndichavaidza, ‘Vanhu vangu;’ Naiye akanga asi mudikanwi, ndichamuidza, ‘Mudikanwi.’ Zvichaitika kuti paya pakanga parehwa kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.” NaIsaya anodana pamusoro pavaIsiraeri, achiti, “Kana kuwanda kwavana vaIsiraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara ndivo vachaponeswa; nokuti Ishe achaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza.” Sezvaakamboreva Isayawo, achiti, “Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.” Zvino tichatiiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda; asi vaIsiraeri vakati vachitsvaka murayiro wokururama, havana kusvika pamurayiro iwoyo. Neiko? Nokuti havana kuutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa avo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Anotenda kwaari, haanganyadziswi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 9

VaRoma 9:19-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo. Ndizvozvowo zvina Mwari, ko dai kuri kuti anoda zvake kuratidza hasha dzake nokuranga achiratidza simba rake iye achizvidzora zvake achiitira mwoyo murefu kwazvo midziyo inofanira kuparadzwa pamusana pokuda kuratidza kukura kwembiri yake kumidziyo inofanira kuitirwa tsitsi yaakafanogadzirira mbiri. Kunyange iyesu takadaidzwa tichibva kwete kuvaJudha voga asi tichibvawo mukati mevechirudzi? Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti: “Avo vakanga vasiri vanhu vangu ndava kuvati vanhu vangu, vandaiti havasi vapamwoyo ndava kuvati vapamwoyo.” Panzvimbo imwecheteyo pavakambonzi, “Hamusi vanhu vangu, vachanzi vana vaMwari mupenyu.” Isaya anodaidzirawo nezvavaIsiraeri achiti, “Kunyange zvazvo vaIsiraeri vowanda sejecha rogungwa asi katsama kavo ndiko chete kachaponeswa nokuti Tenzi achatoranga nyika uye nokukurumidza.” Sokufanotaura kwakaita Isaya achiti, “Dai Tenzi wehondo nehondo asina kutisiira vana tingadai takaita seSodhomu kana kuita seGomora.” Zvino toti kudiniko? Toti here vechirudzi vasina kutevedza ururami vakahuwana? Zvichireva ururami hunowanikwa nechitendero? Tochitiwo vaIsiraeri vakatevedza urarami hunowanikwa nokuchengeta mutemo vakakundika kudzidzisa mutemo iwoyo here? Pamusana pei? Nokuti havana kuutevedza nechitendero asi vaiita sokunge hunowanikwa namabasa. Vakagumburwa nedombo rinogumbura sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “Hezvo ndaisa dombo muZioni richaita kuti vazhinji vagumburwe ibwe richaita kuti vaputsike. Anotenda maari haazonyadziswi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 9

VaRoma 9:19-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake? Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai? Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa? Ɀino ticatiyiko kana Mŋari, kana akaŋga aciɗa kuratidza kutsamŋa kwake, nokuziʋisa simba rake, akaita nomŋoyo murefu ɀikuru pamsoro pemidziyo yokutsamŋirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti aziʋise kufuma kwokubginya kwake pamsoro pemidziyo yeŋgoni, yaakaŋga agadzirira kubginya, iyesu ʋakaɗanwa ʋo naye, tisiŋgabvi kuʋaJuda ɓedzi, asi kuʋahedeni ʋo? Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti: Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu, ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu; Naiye wakaŋga asi muɗikanwa, ndicamuidza muɗikanwa. Ɀicaitika kuti paya pakaŋga parebga kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, Ipapo ʋacaidzwa ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu. NaIsaya unoɗana pamsoro paʋaIsraeri, aciti: Kana kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kwakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ndiʋo ʋacaponeswa; nokuti Ishe ucaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza. Seɀaakamboreʋa Isaya ʋo, aciti: Ƌai Ishe wehondo asina‐kutisiyira rudzi, Tiŋgaɗai takaʋa seSodoma, takaitwa seGomora. Ɀino ticatiyiko? Ticati, ʋahedeni ʋasina‐kutȿaka kururama, ndiʋo ʋakawana kururama, iko kururama kwokutenda; asi ʋaIsraeri ʋakati ʋacitȿaka murairo wokururama, haʋanakuȿika pamurairo iwoyo. Neiko? Nokuti haʋana‐kuutȿaka nokutenda, asi ɀineŋge namaɓasa aʋo. Ʋakagumburwa nebge rinogumbusa. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Tarira, ndinoisa paZioni ibge rokugumbusa, neɗombo rokupiŋganidza; Unotenda kwaari, haaŋganyadziswi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 9

VaRoma 9:19-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)