Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 9:19-33

ƲaRoma 9:19-33 SUB1949

Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake? Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai? Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa? Ɀino ticatiyiko kana Mŋari, kana akaŋga aciɗa kuratidza kutsamŋa kwake, nokuziʋisa simba rake, akaita nomŋoyo murefu ɀikuru pamsoro pemidziyo yokutsamŋirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa, kuti aziʋise kufuma kwokubginya kwake pamsoro pemidziyo yeŋgoni, yaakaŋga agadzirira kubginya, iyesu ʋakaɗanwa ʋo naye, tisiŋgabvi kuʋaJuda ɓedzi, asi kuʋahedeni ʋo? Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti: Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu, ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu; Naiye wakaŋga asi muɗikanwa, ndicamuidza muɗikanwa. Ɀicaitika kuti paya pakaŋga parebga kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, Ipapo ʋacaidzwa ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu. NaIsaya unoɗana pamsoro paʋaIsraeri, aciti: Kana kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kwakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ndiʋo ʋacaponeswa; nokuti Ishe ucaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza. Seɀaakamboreʋa Isaya ʋo, aciti: Ƌai Ishe wehondo asina‐kutisiyira rudzi, Tiŋgaɗai takaʋa seSodoma, takaitwa seGomora. Ɀino ticatiyiko? Ticati, ʋahedeni ʋasina‐kutȿaka kururama, ndiʋo ʋakawana kururama, iko kururama kwokutenda; asi ʋaIsraeri ʋakati ʋacitȿaka murairo wokururama, haʋanakuȿika pamurairo iwoyo. Neiko? Nokuti haʋana‐kuutȿaka nokutenda, asi ɀineŋge namaɓasa aʋo. Ʋakagumburwa nebge rinogumbusa. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Tarira, ndinoisa paZioni ibge rokugumbusa, neɗombo rokupiŋganidza; Unotenda kwaari, haaŋganyadziswi.

Verenga chikamu ƲaRoma 9