VaRoma 14:1-2
VaRoma 14:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 14VaRoma 14:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino gamuchirai asina simba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake. Mumwe munhu anokutenda kuti angadya zvose; asi asina simba anodya miriwo.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 14VaRoma 14:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 14