Zvakazarurwa 5:9-14
Zvakazarurwa 5:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi. Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu, uye vachatonga panyika.” Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru. Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!” Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!” Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.
Zvakazarurwa 5:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti, “Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, makatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose; mukavaitira Mwari wedu, kuti vave ushe navapristi, vabate ushe panyika.” Zvino ndakaona, ndikanzwa izwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru. Kuwanda kwavo kwakanga kuri zviuru zvezviuru nezviuru zvamazana vachiti nezwi guru, “Gwayana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe ushe, nepfuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.” Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezviri pasi penyika, napagungwa, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti, “Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kuna iye agere pamusoro pechigaro choushe, nokuGwayana nokusingaperi-peri.” Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni.” Vakuru vana makumi maviri navanavo vakawira pasi, vakanamata.
Zvakazarurwa 5:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakaimba rumbo rutsva vachiti, “Munokodzera kutora bhuku rokumunonora nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa mukanunurira Mwari vanhu kubva kumarudzi ose nendimi dzose navanhu vose nendudzi dzose. Makavaita umambo navapristi vaMwari wedu uye vachatonga pasi.” Ndakazotarisa ndikanzwa kumativi ose kupoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zviya navakuru vakuru vaya izwi ravatumwa vazhinji vakawanda zvokuita zviuru nezviuru namazana akazanirana kwazvo; vachiti nezwi guru, “Hwayana yakauraiwa yakakodzera kugamuchira simba roupfumi noungwaru noukuru norukudzo nembiri nechikomborero.” Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga napasi napasi penyika nomugungwa nazvose zvirimo zvichiti, “Ngaarumbidzwe, narini narini apiwe rukudzo nembiri noukuru iye agere pachigaro choumambo uyewo kuHwayana.” Zvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati, “Ameni,” vakuru vakuru vaya vakabva vati wareware pasi vachinamata.
Zvakazarurwa 5:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaimba rwiyo rutȿa, ʋaciti: Ndimi makafanira kuti mutore buku nokuzarura ɀisimbiso ɀayo; nokuti makaɓayiwa, mukateŋgera Mŋari neropa renyu ʋanhu ʋanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose, nendudzi dzose; mukaʋaitira Mŋari weɗu, kuti ʋaʋe ʋushe naʋaprista, ʋaɓate ʋushe panyika. Ɀino ndakaʋona, ndikanzwa inzwi raʋatumŋa ʋazhinji ʋakaŋga ʋakakomberedza cigaro coʋushe neɀisikwa ɀipenyu, naƲakuru — kuwanda kwaʋo kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru neɀuru ɀamazana — ʋaciti nenzwi guru: Gwaiana rakaɓayiwa rakafanira kuti riʋigirwe ʋushe, nefuma, nokucenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubginya, nokurumbidzwa. Ndikanzwa ɀisikwa ɀipenyu ɀose ɀiri kuɗeŋga, napanyika, neɀiri pasi penyika, napaguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo, ɀiciti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubginya, nesimba ŋgaɀiʋe kunaiye ugere pamsoro pecigaro coʋushe, nokuGwaiana nokusiŋgaperi‐peri. Ipapo ɀisikwa ɀipenyu ɀinna ɀakati: Ameni. Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋo ʋakawira pasi, ʋakanamata.
Zvakazarurwa 5:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)