Ʋakaimba rwiyo rutȿa, ʋaciti: Ndimi makafanira kuti mutore buku nokuzarura ɀisimbiso ɀayo; nokuti makaɓayiwa, mukateŋgera Mŋari neropa renyu ʋanhu ʋanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose, nendudzi dzose; mukaʋaitira Mŋari weɗu, kuti ʋaʋe ʋushe naʋaprista, ʋaɓate ʋushe panyika. Ɀino ndakaʋona, ndikanzwa inzwi raʋatumŋa ʋazhinji ʋakaŋga ʋakakomberedza cigaro coʋushe neɀisikwa ɀipenyu, naƲakuru — kuwanda kwaʋo kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru neɀuru ɀamazana — ʋaciti nenzwi guru: Gwaiana rakaɓayiwa rakafanira kuti riʋigirwe ʋushe, nefuma, nokucenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubginya, nokurumbidzwa. Ndikanzwa ɀisikwa ɀipenyu ɀose ɀiri kuɗeŋga, napanyika, neɀiri pasi penyika, napaguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo, ɀiciti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubginya, nesimba ŋgaɀiʋe kunaiye ugere pamsoro pecigaro coʋushe, nokuGwaiana nokusiŋgaperi‐peri. Ipapo ɀisikwa ɀipenyu ɀinna ɀakati: Ameni. Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋo ʋakawira pasi, ʋakanamata.