Zvakazarurwa 12:7-8 - Compare All Versions
Zvakazarurwa 12:7-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo. Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.
Zvakazarurwa 12:7-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga.
Zvakazarurwa 12:7-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino kurwa kwakaʋa’po kuɗeŋga; Mikaeri naʋatumŋa ʋake ʋakarwa neshato, shato ikarwa inaʋatumŋa ʋayo; ʋakasakunda, nenɀimbo yaʋo hainakuzowanikwa kuɗeŋga.
Zvakazarurwa 12:7-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudenga makamuka hondo Mikaeri navatumwa vake vachirwisa zigaranyanya riya. Zigaranyanya navatumwa varo rakarwisawo. Zigaranyanya navatumwa varo rakakurirwa; pakanga pasisina nzvimbo yavo kudenga.
Zvakazarurwa 12:7-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mudenga makamuka hondo Mikaeri navatumwa vake vachirwisa zigaranyanya riya. Zigaranyanya navatumwa varo rakarwisawo. Zigaranyanya navatumwa varo rakakurirwa; pakanga pasisina nzvimbo yavo kudenga.